Amai Varubhi

Amai Varubhi

Alick Macheso And Orchestra Mberikwazvo

Альбом: Collection
Длительность: 9:33
Год: 2025
Скачать MP3

Текст песни

Zvatiri tose kudai amai vaRubhi
Manzwira-nzwira aya itai mashoma
Zvatiri tose kudai amai vaRubhi
Manzwira-nzwira aya itai mashoma
Anopunza musha vana votambura
Anopunza musha vana votambura

Tarirai baba vaJohn namai vaJohn
Vakaparadzana nekuda kwemanzwira
Tarirai baba vaJohn namai vaJohn
Vakaparadzana nekuda kwemanzwira
Anopunza musha imba yoparara
Anopunza musha imba yoparara

Amai vaJohn kwavo, baba vaJohn kwavo
Inhamo kuvana vamuri kushungurudza
Amai vaJohn kwavo, baba vaJohn kwavo
Inhamo kuvana vamuri kushungurudza

Munozvinzwawo sei kana muchiona vana
Dzinenge nherera zvimwe chechikonzero?
Munozvinzwawo sei kana muchiona vana
Vanenge nherera zvinokonzerwa nei?
Kudai rufu runoparadzanisa
Kudai rufu runoparadzanisa

Hatizi tose vanababa tinorera vana vemumwe murume
Zvakaoma veduwe
Hatizi tose vanababa tinorera vana vemumwe murume
Zvakaoma veduwe
Inzwai tsitsi ivai neumbiridzo
Inzwai tsitsi ivai neumbiridzo

Havazi vose vanamai vanorera vana vemumwe mukadzi
Hazvigoni veduwe
Havazi vose vanamai vanorera vana vemumwe mukadzi
Hazvigoni veduwe
Inzwai tsitsi ivai neumbiridzo
Inzwai tsitsi ivai neumbiridzo