Wamunoda Aurawe
Charles Charamba
5:40Kana ndoshaura ndidaireiwo Ndinoda kudarika pakasvika Miriam Mhandara yakashaura here nezuva riye Kupemberera kuparara kwana Pharaoh Kana ndorasika ndidzoreiwo Handidi kufanana nejaya Samson Akatumwa nevhangeri mukomana uye Gare gare tsvee tande nana Dherira Ini kwandinotumwa ndibatsirei ndiende Handidi kutevera tsoka dzake Jonah Wakatumwa ku Ninevah mukomana uye Iye tande tsvee, kuTashishi Ini kana ndotamba ndipeiwo mukana Ndinoda kudarika pakasvika David Mambo wakatamba iye nezuva riye Wakatamba kusvika mai vapopota Ini kana ndodzana sudurukai kani Ndinoda kudarika pakasvika David Mambo wakatamba iye nezuva riye Wakatamba kusvika mai vapopota Ibasa rangu kutamba, kutambira Baba (Ibasa rangu kutamba) kutambira Baba (Ibasa rangu kutamba) kushumira shoko (Ibasa rangu kushumira) kushumira Baba (Ibasa rangu kushumira) kuimbira Baba (Ibasa rangu kuimba) kuimbira Baba (Ibasa rangu kuimba) Kana ndoshaura ndidaireiwo Ndinoda kudarika pakasvika Miriam Mhandara yakashaura here nezuva riye Kupemberera kuparara kwana Pharaoh Kana ndorasika ndidzoreiwo Handidi kufanana nejaya Samson Akatumwa nevhangeri mukomana uye Gare gare tsvee tande nana Dherira Ini kwandinotumwa ndibatsirei ndiende Handidi kutevera tsoka dzake Jonah Wakatumwa ku Ninevah mukomana uye Iye tande tsvee, kuTashishi Ini pandinotamba ndipeiwo mukana Ndinoda kudarika pakasvika David Mambo wakatamba iye nezuva riye Wakatamba kusvika mai vapopota Ini kana ndodzana sudurukai kani Ndinoda kudarika pakasvika David Mambo wakatamba iye nezuva riye Wakatamba kusvika mai vapopota Ibasa rangu kutamba, kutambira Baba (Ibasa rangu kutamba) kutambira Baba (Ibasa rangu kutamba) kushaurira Tenzi (Ibasa rangu kushaura) kushaurira Baba (Ibasa rangu kushaura) kushumire shoko (Ibasa rangu kushumira) kushumira Baba (Ibasa rangu kushumira) Regai ndimuimbire (ibasa rangu kushaura) zvimwe ndingazofa Ndisina kumuimbira (ibasa rangu kushaura) iro riri basa rangu Regai ndimutambire (ibasa rangu kushaura) zvimwe ndingazofa Ndisina kumutambira (ibasa rangu kushaura) iro riri basa rangu Regai ndimushumire (ibasa rangu kushaura) zvimwe ndingazofa Ndisina kumushumira (ibasa rangu kushaura) iro riri basa rangu Regai ndimushandire (ibasa rangu kushaura) zvimwe ndingazofa Ndisina kumushandira (ibasa rangu kushaura) iro riri basa rangu Saka ngairire ngoma (ibasa rangu kushaura) ridzai zvakanaka Nditambire baba (ibasa rangu kushaura) Dariro ngarikure (ibasa rangu kushaura) sudurukai vakomana Nditambe zvakanaka (ibasa rangu kushaura) Dziri kupiko mbira iwe (ibasa rangu kushaura) vindu hwedu vakomana Tiimbire Baba (ibasa rangu kushaura) Mufundisi fundisai (ibasa rangu kushaura) zvimwe mungazofa Musina wamafundisa (ibasa rangu kushaura) iro riri basa renyu Muvhangeri vhangerai (ibasa rangu kushaura) zvimwe mungazofa Musina wamavhangera (ibasa rangu kushaura) iro riri basa renyu Muparidzi paridzai (ibasa rangu kushaura) zvimwe mungazofa Musina wamaparidza (ibasa rangu kushaura) iro riri basa renyu Kushandira Baba (ibasa rangu kushaura) (Ibasa rangu kushaura)