Notice: file_put_contents(): Write of 622 bytes failed with errno=28 No space left on device in /www/wwwroot/muzbon.net/system/url_helper.php on line 265
Decibel - Madhara | Скачать MP3 бесплатно
Madhara

Madhara

Decibel

Альбом: Classics Collection
Длительность: 4:27
Год: 2002
Скачать MP3

Текст песни

Kune mamwe madhara asingade kukura, apo makore aenda
Haisi mhosva yangu wakanonoka kumuka nguva yako yapera
Kune mamwe madhara asingade kukura, apo makore aenda
Haisi mhosva yangu wakanonoka kumuka nguva yako yapera baby yo

Aa baba ndaona hamunyare
Iwe gondo muzvitiyo usamhare
Kukwezva vana nekushandisa mari
Mubairo wako uchabva kuna Mwari
Kunyepedzera kunge uri shamwari
Zviri zvemari hanzi baby don't worry
Anything you want I can get you in a hurry
Chinangwa chako chiri chekuputsa hari
Mwana wacho oo atori kuchikoro
Dai wambomira wamupawo zororo

Tarira zvino wakumumwisa doro
Chinangwa chako chiri chekupisa nyoro
Kana vabereki haachachamboterere
Akubigger joy, mutserendende
Gare-gare tichanzwa yangova mhere
Paachaona kuti wamupa chirwere
Nyaya yacho haimboperera ipapo
Kune vakomana vakabira runako
Havana kuona kwaari kubva nako
Havazvizive kuti achaenda navo

Zvakandirwadza moyo, munondibaya moyo
Zvakandirwadza moyo, munondibaya moyo

Dai mamboterera, dai mamboterera, tererai!
Dai maiterera nemi sisi oo mainzwawo chichemo chandinacho
Dai mamboterera, dai mamboterera, tererai!
Dai maiterera nemi sisi oo mainzwawo chichemo chandinacho

Mifungo yako yanga yaora sei, kukwanisa kuita huipi hwakadaro?
Mari yacho yanga yanetsa sei, zvingakonzera utengese muviri wako?
Mumoyo mako iwe unonzwa sei, kuparadzanisa samusha nemhuri yavo?
Ndazvishaya uri kunakirwa nei, hauone wakanganisa hupenyu hwako?

Zvakandirwadza moyo, munondibaya moyo
Zvakandirwadza moyo, munondibaya moyo

Dai mamboterera, dai mamboterera, tererai!
Dai maiterera. nemi sisi oo mainzwawo chichemo chandinacho
Dai mamboterera, dai mamboterera, tererai!
Dai maiterera, nemi sisi oo mainzwawo chichemo chandinacho

Mifungo yako yanga yaora sei kukwanisa kuita huipi hwakadaro?