Siyawawoneka
James Chimombe
6:41Kana usisade nezvangu Usandinyare ndiudzewo ndapota Pane kuti undiite munhu wako Wandioneiko ndiudze ndapota Kana waneta nezvangu Usandinyare ndiudze ndapota Pane kuti undiitire mashura Washoreiko ndiudze ndapota Kana nzira yafunga kumwe Usandinyare ndiudze ndapota Pane kuti undiite dimikira Washayeiko ndiudze ndapota Kurambwa hakuna kutanga neni Usandinyare ndiudze ndapota Pane kuti undiitire mashiripiti Wanyareiko ndiudze ndapota Ah kana kuti ini ndigere Gamba ndakarambwa kare kare Zuva nezuva tiri tose Gamba ndakarambwa kare kare Ah kana kuti ini ndigere Gamba ndakarambwa makei Gumi remakore tiri tose Gamba ndakarambwa kare kare He-e iye-e inga inhamo He-e iye-e nhamo ine nharo He-e iye-e inga inhamo He-e iye-e Kana waneta nezvangu Usandinyare ndiudze ndapota Pane kuti undiitire mashura Wafungeiko ndiudze ndapota Kurambana hakuna kutanga nesu Usandinyare ndiudze ndapota Pane kuti undiitire dimikira Zvaita seiko ndiudze ndapota Ah munenge muchiti mugere Gamba makarambana kare kare Zuva nezuva muri mose Rudo rwakapwa setsime Munenge muchiti mugere Gamba makaramana makei Gumi remakore muri mose Gamba makarambana kare kare He-e iye-e inga inhamo He-e iye-e nhamo ine nharo He-e mai Juniya He-e iye-e inga inhamo He-e iye-e Kana kuti ini ndigere Gamba ndakarambwa kare kare Zuva nezuva tiri tose Gamba ndakarambwa kare kare Kana kuti ini ndigere Gamba ndakarambwa makei Gumi remakore tiri tose Gamba ndakarambwa kare kare