Muchiti Mugere

Muchiti Mugere

James Chimombe

Альбом: Best Of
Длительность: 5:11
Год: 1996
Скачать MP3

Текст песни

Kana usisade nezvangu
Usandinyare ndiudzewo ndapota
Pane kuti undiite munhu wako
Wandioneiko ndiudze ndapota

Kana waneta nezvangu
Usandinyare ndiudze ndapota
Pane kuti undiitire mashura
Washoreiko ndiudze ndapota

Kana nzira yafunga kumwe
Usandinyare ndiudze ndapota
Pane kuti undiite dimikira
Washayeiko ndiudze ndapota

Kurambwa hakuna kutanga neni
Usandinyare ndiudze ndapota
Pane kuti undiitire mashiripiti
Wanyareiko ndiudze ndapota

Ah kana kuti ini ndigere
Gamba ndakarambwa kare kare
Zuva nezuva tiri tose
Gamba ndakarambwa kare kare

Ah kana kuti ini ndigere
Gamba ndakarambwa makei
Gumi remakore tiri tose
Gamba ndakarambwa kare kare

He-e iye-e inga inhamo
He-e iye-e nhamo ine nharo
He-e iye-e inga inhamo
He-e iye-e

Kana waneta nezvangu
Usandinyare ndiudze ndapota
Pane kuti undiitire mashura
Wafungeiko ndiudze ndapota

Kurambana hakuna kutanga nesu
Usandinyare ndiudze ndapota
Pane kuti undiitire dimikira
Zvaita seiko ndiudze ndapota

Ah munenge muchiti mugere
Gamba makarambana kare kare
Zuva nezuva muri mose
Rudo rwakapwa setsime

Munenge muchiti mugere
Gamba makaramana makei
Gumi remakore muri mose
Gamba makarambana kare kare

He-e iye-e inga inhamo
He-e iye-e nhamo ine nharo
He-e mai Juniya
He-e iye-e inga inhamo
He-e iye-e

Kana kuti ini ndigere
Gamba ndakarambwa kare kare
Zuva nezuva tiri tose
Gamba ndakarambwa kare kare

Kana kuti ini ndigere
Gamba ndakarambwa makei
Gumi remakore tiri tose
Gamba ndakarambwa kare kare