Mugove
Leonard Karikoga Zhakata
11:13Inga ndinokuuchirai wani, inga ndinokuuchirai wani Inga ndinokuomberai wani, inga ndinokuomberai wani Vakuruwe, vakuruwe Inga ndinozvidukupisa wani, inga ndinozvidukupisa wani Inga ndinozvidukupisa wani, inga ndinozvidukupisa chese Inga ndinokugwadamai wani, inga ndinokugwadamai wani Mambo ndinokugwadamai wani, inga ndinokugwadamai wani Mambo imi, Mambo imi Tenzi iwe, Tenzi iwe Mambo ndichinge ndakukumbiraiwo ndipeiwo sokupa kwamunoita vamwe Mambo ndichinge ndakukokaiwo ini ndishanyirei sevamwe Mambo ndichinge ndakudanaiwo ndapota ndidairewo savamwe Mambo ndichikukumbirai nzira tsvene ndapota musandisiya mumajokochwa Mambo ndichikukumbirai chaedza ndapota musandisiya mukati merima Mambo ndichikukumbirai chaedza, ndapota musandisiya mukati merima Mambo iwe Tenzi iwe Nhingiwe Mambo handina simba nezvandiri saka ndisingazvitongeri zvangu Mambo handina simba nezvandiri saka ndisingazvitongeri zvangu Tarirai vanotuka zvavo handivapinduri, mambo makandikundisai pamwe chete Honai vanotuka zvavo handivapinduri, mambo makandikundisai pamwe chete Tarirai vanorova zvavo handivadzoreri, mambo makandikundisai pamwe chete Honai vanorova zvavo handivadzoreri, mambo makandikundisai pamwe chete Ndakapika vangaponda zvavo (handiridzi mhere, ini zvangu ndinofa ndinyerere segwayana) Ndakapika vangaponda zvavo (handiridzi mhere, ini zvangu ndinofa ndinyerere segwayana) Mambo ndinofa ndinyerere segwayana (ndinofa ndinyerere segwayana) Mambo ndinofa ndinyerere segwayana (ndinofa ndinyerere segwayana) Ndakapika vangaponda zvavo (handiridzi mhere, ini zvangu ndinofa ndinyerere segwayana) Ndakapika vangaponda zvavo (handiridzi mhere, ini zvangu ndinofa ndinyerere segwayana) Mambo ndinofa ndinyerere segwayana, ndinofa ndinyerere segwayana Mambo ndinofa ndinyerere segwayana, ndinofa ndinyerere segwayana Riyo-riyo-riyo-riyo, riyo-riyo-riyo-riyo Riyo-riyo-riyo-riyo mambo, riyo-riyo-riyo-riyo Riyo-riyo-riyo-riyo mambo, riyo-riyo-riyo-riyo Mambo iwe segwayana Ndinofa ndinyerere segwayana Ummm segwayana Musamboiko uyo? ZORA, ZORA, ZORA, ZORA, ZORA, ZORA, ZORA, ZORA, pane ZORA Original rhythms of Africa