Pfungwa Dzezuva
Mark Ngwazi
13:10Mwari wangu ndine mubvunzo Ndichava aniko muhupenyu zvandinosekwa nenyika?? Babawe ndine mubvunzo Ndichava aniko muhupenyu zvandinosekwa nenyika?? Ndikakwira kombi ndini wepakadoma Ndichava aniko muhupenyu zvandinosekwa nenyika?? Pakukwira kombi ndisu vema 2 Rand Ndichava aniko muhupenyu zvandinosekwa nenyika?? Ndikapfuya huku mangwana yorumwa negondo Ndichava aniko muhupenyu zvandinosekwa nenyika? Ndikatenga mombe mangwana yorumwa nemhumhi Ndichava aniko muhupenyu zvandinosekwa nenyika? Ndikaroorwa mangwana ndorambwa Ndichava aniko muhupenyu zvandinosekwa nenyika? Ndikabara mwana mangwana ofa Ndichava aniko muhupenyu zvandinosekwa nenyika? Ndikapinda basa mangwana ropera Ndichava aniko muhupenyu zvandinosekwa nenyika? Ndikapinda basa mangwana ropera Ndichava aniko muhupenyu zvandinosekwa nenyika? Mavende, mhanza, man'a nemateya Hazvingagari pamunhu mumwechete, Mwari inzwaiwo tsitsi Mavende, mhanza, man'a nemateya Hazvingagari pamunhu mumwechete, Mwari inzwaiwo tsitsi Vamwe vanoroorwa pamadiro wani Ko nhai Mwari ndakatadzeiko? Vamwe vanoroorwa pamadiro wani Ko nhai Mwari ndakatadzeiko? Vamwe vanoshanda pamadiro wani Ko nhai Mwari ndakatadzeiko? Vamwe vanoshanda pamadiro wani Ko nhai Mwari ndakatadzeiko? Ndinozviziva kuti ini ndiri mutadzi, asi imi muri Mwari anoregerera Ndinozviziva kuti ini ndiri mutadzi, asi imi muri Mwari anoregerera Mutiregerere zvatakakutadzirai Baba, zvatinoita kune vanotitadzira Mutiregerere zvatakakutadzirai Baba, zvatinoita kune vanotitadzira Sauro ingawani makamuregerera, asi waive murume waiponda Sauro ingawani makamuregerera, asi waive murume waiponda Rakabhi ingawani makamuregerera, asi waive mukadzi waifeva Rakabhi ingawani makamuregerera, asi waive mukadzi waifeva Musatisiye tichisvika pakuyedzwa, tirwireiwo mune zvakaipa Musatisiye tichisvika pakuyedzwa, tirwireiwo mune zvakaipawo Vakakomborerwa vane varume vanoda zvemba Varume ivavo ngavabatisiswe Vakakomborerwa vane varume vanoda zvemba Varume ivavo ngavabatisiswe Vakakomborerwa vane vakadzi vanoda zvemba Vakadzi ivavo ngavabatisiswe Vakakomborerwa vane vakadzi vanoda zvemba Vakadzi ivavo ngavabatisiswe Akakomborerwa ane basa raanoshanda Basa iroro ngarichengetedzwe Akakomborerwa ane basa raanoshanda Basa iroro ngarichengetedzwe Vamwe tiri kuashaya mabasa aya