Kuonererwa

Kuonererwa

Oliver Mtukudzi

Альбом: Svovi Yangu
Длительность: 6:53
Год: 1996
Скачать MP3

Текст песни

Zvikomana zvemazuva ano, kuonererwa, hoo kushamisira

(Ndaiti kushanda inini) chedikita hachipfachurwe
(Ndaiti ndezvedikita)
(Ndaiti kushanda inini) chekushanda hachipfachurwe
(Ndaiti ndezvedikita)

Kugarofumura zviri mudura ravo (ndaiti kushanda inini)
Kugaropfachura zviri muhomwe dzavo (ndaiti kushanda inini)
Zvikomana zvemazuva ano, manyemwe, hoo kushamisira
(Ndaiti kushanda inini)
(Ndaiti ndezvedikita)

Zvikomana zvemazuva ano, manyemwe, hoo kushamisira
(Ndaiti kushanda inini)
(Ndaiti ndezvedikita) chedikita hachipfachurwe
(Ndaiti kushanda inini) chekushanda hachipfachurwe
(Ndaiti ndezvedikita)

Ukaona achipfachura, ipfuma yenhaka
Vemanyemwe vatsva mitsambo
Ukaona achipfachura, zvimwe ndechekuba
Anga ati ashanda riniko

Zvikomana zvemazuva ano, manyemwe, hoo kushamisira
(Ndaiti kushanda inini) chekushanda hachipfachurwe
(Ndaiti ndezvedikita) chedikita hachipfachurwe
(Ndaiti kushanda inini) chekushanda hachipfachurwe
(Ndaiti ndezvedikita)

Hunzi ndine mari pano mumota, kumba neku-bank

Pakuzoti ndine mari pano ku-boot, kumba neku-bank
Pakuzoti ndine mari pano ku-boot, kumba neku-bank

(Ndaiti kushanda inini) chedikita hachipfachurwe
(Ndaiti ndezvedikita) chekushanda hachipfachurwe
(Ndaiti kushanda inini) chedikita hachipfachurwe
(Ndaiti ndezvedikita)
Hai

Ukaona achipfachura, ipfuma yenhaka
Vemanyemwe vatsva netsambo
Kungoona achipfachura, zvimwe ndechekuba
Anga ati ashanda riniko

Zvikomana zvemazuva ano izvi, manyemwe, hoo kushamisira

Zvikomana zvemazuva ano, manyemwe, hoo kushamisira
(Ndaiti kushanda inini) chekushanda hachipfachurwe
(Ndaiti ndezvedikita) chedikita hachipfachurwe
(Ndaiti kushanda inini) chekushanda hachipfachurwe
(Ndaiti ndezvedikita) chedikita hachipfachurwe iwe