Dai Hanzvadzi Yairoorwa

Dai Hanzvadzi Yairoorwa

System Tazvida

Альбом: Muni Nyoro Mumoto
Длительность: 7:03
Год: 1998
Скачать MP3

Текст песни

Dai hanzvadzi yairoorwa, ndingadai ndakaroora yangu
Kwete kuchiva kunaka, asi kuchiva tsika
Kwete zvandakazoroora izvi, inhamo chaiyo
Kungwarira paduri sehuku, kutodza amai sekurima

Dai hanzvadzi yairoorwa, ndingadai ndakaroora yangu
Kwete kuchiva kunaka, asi kuchiva tsika
Kwete zvandakazoroora izvi, inhamo chaiyo
Kungwarira paduri sehuku, kutodza amai sekurima

Anotuka amai vangu, muroora, ambuya
Anotuka amai vangu, muroora, ambuya
Anoudza vabereki vangu utsvina, muroora
Anoudza vabereki vangu utsvina, muroora
Anonyima hama dzangu zvekudya, muroora
Anonyima hama dzangu zvekudya, muroora

Ndoita seiko nhai, nhai vehama?
Ndomuteedza here zvaanotaura?
Ndoita seiko nhai, nhai vehama?
Ndomuteedza here zvaanotaura?

Kuroora kwangu amai, kwandiparadzanisa nemi
Kuroora kwangu amai, kwandiparadzanisa nemi
Kuroora kwangu varume, kwandiparadzanisa nemi
Kuroora kwangu varume, kwandiparadzanisa nemi
Kuroora kwangu vehama, kwandiparadzanisa nemi
Kuroora kwangu vehama, kwandiparadzanisa nemi

Ndichitaura kudai
Dzimwe nguva hanzvadzi yarara mugoronga, yarohwa nemurume
Mudumbu musina chekudya, iye asina chekufuga
Asi kuno mutorwa agere mushe, mushe
Makumbo ese muhupfu, musoro mushuga
Pedza otondishainira, otuka rudzi rwangu
Pedza otondishainira, osema rudzi rwangu

Anotuka amai vangu, muroora, ambuya
Anotuka amai vangu, muroora, ambuya
Anoudza vabereki vangu utsvina, muroora
Anoudza vabereki vangu utsvina, muroora
Anonyima hama dzangu zvekudya, muroora
Anonyima hama dzangu zvekudya, muroora

Ndoita seiko nhai, nhai vehama?
Ndomuteedza here zvaanotaura?

Dai pasina mwana wangu Vongai, ndairiradza nenzara rimwe zuva
Dai pasina mwana wangu Vongai, ndairiradza nenzara rimwe zuva
Dai pasina mwana wangu waainaye, ndairiradza nenzara rimwe zuva
Dai pasina mwana wangu waainaye, ndairiradza nenzara rimwe zuva

Ndimurove, hanzi ndonetsa
Ndimurove, hanzi ndonetsa
Ndimutuke hanzi rushusho
Ndimutuke hanzi rushusho
Ndimurove, hanzi ndonetsa
Ndimurove, hanzi ndonetsa
Ndimutuke hanzi–