Hatiperekedzane

Hatiperekedzane

Winky D

Альбом: Gombwe: Chiextra
Длительность: 4:24
Год: 2018
Скачать MP3

Текст песни

Ini newe
Tiri vamwe
Haikona kubviswa pane chakanaka nekuchiva zvakaipa
Inini newe
Tiri vamwe
Ichasvika nguva yatichatsvagana
Mumwe achashaikwa
Saka tambanudza ruoko
Wondivhurira moyo
Ichasvika nguva, mumwe achashaikwa

Kune nzvimbo imwechete yekuti kana vakudana Baba
Hatiperekedzane (hatiperekedzane)
Ngatiyeuchidzane (ngatiyeuchidzane)
Haiwa, ungava shamwari
Asi kuda ka kwaMwari
Hatiperekedzane (hatiperekedzane)
Ngatiyeuchidzane (ngatiyeuchidzane)

Ngatipanane rudo nhasi
Ramangwana harine nyanzvi
Zvakaipa tokanda pasi
Chakanaka chitakure nyadzi

Varipo vatakatadza kuda
Havasisipo pasirino
Pasi angova mapfupa
Mupfungwa dzava ndangariro
Oskid ndauya neyambiro
Hapana achaziva mafambiro (-fambiro)
Irwendo rwusina kuoneka
Mhinduro tongoti yawonekwa

Kune nzvimbo imwechete yekuti kana vakudana Baba
Hatiperekedzane (hatiperekedzane)
Ngatiyeuchidzane (ngatiyeuchidzane)
Haiwa, ungava shamwari
Asi kuda ka kwaMwari
Hatiperekedzane (hatiperekedzane)
Ngatiyeuchidzane (ngatiyeuchidzane)

Ngatipanane rudo nhasi
Ramangwana harine nyanzvi
Zvakaipa tokanda pasi
Chakanaka chichakure nyadzi

Saka mabaya moyo wangu, imi
Mabaya moyo wangu, hoyoyo
Mandibaya panodzimba
Ndati mabaya moyo wangu, imi
Mabaya moyo wangu, hoyoyo
Mandibaya panodzimba
Haha

Ini newe
Tiri vamwe
Haikona kubviswa pane chakanaka nekuchiva zvakaipa
Inini newe
Tiri vamwe
Ichasvika nguva yatichatsvagana, mumwe achashaikwa
Saka tambanudza ruoko
Wondivhurira moyo
Ichasvika nguva, mumwe achashaikwa

Kune nzvimbo imwechete yekuti kana vakudana Baba
Hatiperekedzane (hatiperekedzane)
Ngatiyeuchidzane (ngatiyeuchidzane)
Haiwa, ungava shamwari
Asi kuda ka kwaMwari
Hatiperekedzane (hatiperekedzane)
Ngatiyeuchidzane (ngatiyeuchidzane)

Ngatipanane rudo nhasi
Ramangwana harine nyanzvi
Zvakaipa tokanda pasi
Chakanaka chitakure nyadzi

Kune nzvimbo imwechete yekuti kana vakudana Baba
Ngatiyeuchidzane
Ungava shamwari
Asi kuda ka kwaMwari
Hatiperekedzane
Ngatiyeuchidzane