Ijipita

Ijipita

Winky D

Альбом: Njema
Длительность: 3:21
Год: 2019
Скачать MP3

Текст песни

Gafa, Gafa
Gafa zvekare
Jusa

Pandinomuka mangwanani
Ndinozvitarisa pagirazi
Hakuna ini arinani
Mangwana ngaasiyane nanhasi
Kutsvaga manake
Kuti mhuri irarame
Aiwa harisi dambe
Ndatemba tsoka rega ndifambe

Bvisai rima pamberi pangu
Isai chiedza ndifambe zvangu
Hupenyu ndishande hwangu
Ndakanda nhanho ndabvisa shangu

Ijipita, Ijipita
Ijipita, Ijipita
Bye-bye ndakukanda nhanho
Canaan tapinda-tapinda
Ijipita, Ijipita
Ijipita, Ijipita
Bye-bye ndakukanda nhanho
Canaan tapinda-tapinda

Tavakusiya musha kufamba mamaira
Vakomana kuchikaira
Tabvunza zvirimberi, hakuna adaira
Totungamirwa nepasi ndipe nhekwe iya
Zvinodzimba asi rega ndireve
Ukasadikitira hauseve
Tavakutsvaga zvakafa zvega
Kuvhima kweasina uta nemuseve

Ndoenda-ndoenda, ndoenda-ndoenda
Ndoenda ndega kusina mhai
Ndoenda-ndoenda, ndoenda-ndoenda
Handina mufudzi ndingori hwai
Bvisai rima pamberi pangu
Isai chiedza ndifambe zvangu
Hupenyu ndishande hwangu
Ndakanda nhanho ndabvisa shangu

Ijipita, Ijipita
Ijipita, Ijipita
Bye-bye ndakukanda nhanho
Canaan tapinda-tapinda
Ijipita, Ijipita
Ijipita, Ijipita
Bye-bye ndakukanda nhanho
Canaan tapinda-tapinda

Hupenyu makata
Hausi mutserendende
Ukaramba wakavata
Ndiani achavhara vende?
Pane vamwe chingomira-mira
Kumavave kwavanonwira-nwirwa
Panganai zano monoteya riva
Ndafunga kuyambuka ini ndobira dziva

Ndoenda-ndoenda, ndoenda-ndoenda
Ndoenda ndega kusina mhai
Ndoenda-ndoenda, ndoenda-ndoenda
Handina mufudzi ndingori hwai
Bvisai rima pamberi pangu
Isai chiedza ndifambe zvangu
Hupenyu ndishande hwangu
Ndakanda nhanho ndabvisa shangu

Ijipita, Ijipita
Ijipita, Ijipita
Bye-bye ndakukanda nhanho
Canaan tapinda-tapinda
Ijipita, Ijipita
Ijipita, Ijipita
Bye-bye ndakukanda nhanho
Canaan tapinda-tapinda

Ndapinda Canaan
Kupinda ini ndapinda
Ndapinda Canaan
Aiwa ini ndapinda