Charakupa
Alick Macheso
10:06Teererai teererai vana vangu wee Teererai teererai vana vangu Nzwisisanai vana vangu vandakabara wee Nzwisisanai vana vangu vandakabara Mukukura vana vangu musashorane wee Mukukura vana vangu musashorane Mazvake mazvake vanangu munosvika poi? Mazvake mazvake vanangu munosvika poikoo? Patadza mumwe wenyu tauriranai Patadza mumwe wenyu tauriranai Pamhanya mumwe wenyu dzoreredzanai Pamhanya mumwe wenyu dzoreredzanai Ukaita zvitsvene, newe uchagara wakaziva zvisingade mumwe wakoo mukurarama Ukaita zvitsvene, newe uchagara wakaziva zvisingade mumwe wakoo mukurarama Ukaita zvakaipa newe wega uchaona kuti wapindana nemweya yorima ah ah Ukaita zvakaipa newe wega uchaona kuti wapindana nemweya yokumadokero Ruzhowa pamusha iwirirano yedu yemhuri Kana mweya yetsvina ijekenyedze huwe Ruzhowa pamusha iwirirano yedu yemhuri Kana mweya yetsvina ijekenyedze huwe Ukaziva chisingadiwe, muhupenyu uchararama zvakanaka Ukaziva chisingadiwe, muhupenyu unorarama zvakanaka Ukadaro wagonera hupenyu Ukadaro, wazivira mumwe wako Ukadaro wagonera nyika iyoo Chakanaka unochizivawo zvachakanakirawo, wani wega unofunga wani Chakanaka unochizivawo zvachakanakirawo, wani wega unofunga wani Chakaipa unochizivawo zvachakayipirawo, kuti wega haugaye seiko? Chakaipa unochizivawo zvachakayipirawo, kuti wega haugaye seiko? Extravaso Alick Macheso the man himself Noel Nyazanga chimufana chepa Banket paWole Lucky Mumiriki wekwaKaroi kwaKaruru ndiYahweh Inocent Mijintu anobva paAngola, akaberekerwa paDete, akamira pazvake Chinhu chakanaka chakanakira tose huwee huwee Chinhu chakanaka chakanakira tose huwee huwee Chinhu chakaipa chakaipira tose huwee huwee Chinhu chakaipa chakaipira tose huwee huwee Kana iri kete, ikete pakete huwee huwee Kana iri kete, ikete pakete huwee huwee Obert Gomba wekwaMurehwa paUzumba