Baba Vasina Basa

Baba Vasina Basa

Holy Ten

Альбом: Risky Life 2
Длительность: 2:58
Год: 2024
Скачать MP3

Текст песни

(Risky)
Hakuna baba vasina basa
(Ehe, Holy Ten)
(Yeah)

Hakuna baba vasina basa, chero vasina basa
Ndibaba vane zuda sha, ndibaba vane rasta
Ndibaba engineer, ndibaba vari pastor
Ndibaba vari teacher vanoponda nemaduster
Ndibaba vanwa beer ndibaba vadya sadza
Ndibaba vane beemer, ndibaba vane marafter
Ndibaba zvichidziya sha, ndibaba zviri padhaza
Ndibaba nhingi zviya? Hakuna baba vasina basa

Chisingaperi chinoshura, zvakavharwa zvinovhurwa
Zvakavanzwa nhasi asi mangwana ndiro guhwa
Mwana akagara pasi achafamba, achakura
Akatsara bhachi achatsarwa akacooler
Akatuka baba richazvimba rake govi
Richamutsa hasha, richamusiya ane mbonje
Mukai kusvika pungwe, itai muchiviga mabori
Imbwa isingarume inotipinzira matsotsi

Hakuna baba vasina basa, chero vasina basa
Ndibaba vane zuda sha, ndibaba vane rasta
Ndibaba engineer, ndibaba vari pastor
Ndibaba vari teacher vanoponda nemaduster
Ndibaba vanwa beer, ndibaba vadya sadza
Ndibaba vane beemer, ndibaba vane marafter
Ndibaba zvichidziya sha, ndibaba zviri padhaza
Ndibaba nhingi zviya? Hakuna baba vasina basa

Manyepo epwere akanamirwa kuface (face)
Vanhu vane rusero vakawandisa kujecha
Varoyi hobho havazive kuti vanoroya
Mumachira vanopoya, atatsika vonokora (ah)
Kubata kuba (kuba)
Kunanzva kudya (kudya)kushama kutsva
Udza ana mbuya vana Munya mwana uya wakafuma kwana Kunta
Ndakakuudzai (ndakuudzai)

Ndiyani arera gevha risina hunhu?
Amai! Munopinda muchurch musina dhuku, for the why?
Munotopinda stress, busy fighting for a guy
Kutodhanganyika brain kuti ungonzi uri high
Ndiyani areva nhema padare, mukoma?
Ndiyani afeeler pressure aona vamwe vachigona?
Ndiyani aridza tsamwa? (nxaa)
Ndiyani askipper bhama? (haa)
Ndiyani atiza baba aona vamwe vane mota?

Hakuna baba vasina basa, chero vasina basa (hii)
Ndibaba vane zuda sha, ndibaba vane rasta (haa)
Ndibaba engineer, ndibaba vari pastor (ehe, ndibaba)
Ndibaba vari teacher vanoponda nemaduster (ehe, ndibaba)
Ndibaba vanwa beer, ndibaba vadya sadza (haa)
Ndibaba vane beemer, ndibaba vane marafter
Ndibaba zvichidziya, ndibaba zviri padhaza (ehe)
Ndibaba nhingi zviya? Hakuna baba vasina basa

Ende hakuna baba vasina kupasser
Chero vasina kuenda kuchikoro
Vana baba vese vakaita number one
Hakuna baba vasina basa
(Ten)