Zenze

Zenze

Jah Prayzah And The 3Rd Generation Band

Альбом: Jerusarema
Длительность: 3:54
Год: 2016
Скачать MP3

Текст песни

Ukandiona ndinyerere
Usafunga kuti ndiri mbwende
Kundiona ndinyerere
Usafunga kuti ndiri mbwende
Zenze ramunomisa
Ticharidambura kana kurikwachura
Zenze ramunomisa
Ticharidambura kana kurikwachura
Simudza chako timisidzane
Tione kuti gamba ndiani
Simudza chako timisidzane
Tione kuti gamba ndiani
Kuti gamba ndianiko
Tione kuti gamba ndiani
Kuti gamba ndianiko
Tione kuti gamba ndiani

Tikarote hushe tina changamire
Nyangwe gomo tinokoromora
Tikaunganidza mudungwe wemakoronyera
Nevamwe vane nyora dzemangoromera
Nyangwe pose pandotsika vanodongorera
Hanzi dimburai maoko vagwenyambira
Tione kuti ndiani anozorova ngoma
Vandisvikira ndigere ndakagadzirira
Ndavaudza kuti zenze ramunomisa
Ticharidambura kana kurikwachura
Iroro zenze ramunomisa
Ticharidambura kana kurikwachura
Simudza chako timisidzane
Tione kuti gamba ndiani
Simudza chako timisidzane
Tione kuti gamba ndiani
Kuti gamba ndianiko
Tione kuti gamba ndiani
Kuti gamba ndianiko
Tione kuti gamba ndiani

Chipo changu nesimba rangu
Njere dzangu nekuronga kwangu
Kwandinobva nemutauro wangu
Nyika yangu iri pamoyo wangu
Hauzvichinje
Hazvisanduke
Hauzvichinje
Hazvisanduke

Chipo changu nesimba rangu
Njere dzangu nekuronga kwangu
Kwandinobva nemutauro wangu
Nyika yangu iri pamoyo wangu
Hauzvichinje
Hazvisanduke
Hauzvichinje
Hazvisanduke
Nekuti zenze ramunomisa
Ticharidambura kana kurikwachura
Iroro zenze ramunomisa
Ticharidambura kana kurikwachura
Simudza chako timisidzane
Tione kuti gamba ndiani
Simudza chako timisidzane
Tione kuti gamba ndiani
Kuti gamba ndianiko
Tione kuti gamba ndiani
Kuti gamba ndianiko
Tione kuti gamba ndiani