Chiuyaka
Leonard Mapfumo
5:26Seiko makandisiya ndiri ndega? Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa Seiko makandisiya ndiri ndega? (Ohh) Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa (ahh) And I know, kuti amai maigona Chitarisai mwana wenyu, ndasara ndangova nherera Ndapfugama ndanamata, kwamuri imi Ishe ndinoziva Shuwa mune rudo, mune tsitsi mune nyasha, asi nhasi Haiwa mandigura kunorira, kundikandisa mapfumo pasi Ndiani waiziva kuti zvinhu zvichadai? Nhasi uno tongochema, tichibvunza Samatenga Sei mavatora, matirova neshamhu nyoro? Dzangove ndangariro, mhuri yose yoyuwira Amai, danga manga muri pano, muri vatano amai Taizofara tiri pamwe tiri tose amai Ndinoziva tichaonana zvakare Kusvika iro zuva zororai murugare amai (amai, amai) Mmm, seiko makandisiya ndiri ndega? Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa Seiko makandisiya ndiri ndega? Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa Zvisinei ndichashanda nesimba sekutaura kwamaiita, "Ukashinga uchakunda" Kuita kenyu amai, kwaipfura kwemurume, zuva nezuva Maimukira musika, kuti tidye tichiguta Haiwa ruri rudo, rwaive chiedza kwatiri Nyangwe zvazvo nyika yaibaya, maitipa chokuisa mutsoka Kana kwaitonhora maitipa chokupfeka Haiwa kwaipisa maitipa zvitonhodzo Zvakamgonangana nezviroto, maitiudza ngano dzehupenyu "Chigadzira ramangwana usazove mombe yemashanga" "Pfugama unamate, nokuti Mwari vanoona" Kana zvangu ndaitadza chose, mairegerera amai Danga manga muri pano, muri vatano amai Taizofara tiri pamwe tiri tose amai Ndinoziva tichaonana zvakare Kusvika iro zuva zororai murugare amai Seiko makandisiya ndiri ndega? Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa Seiko makandisiya ndiri ndega? Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa Seiko (seiko) makandisiya ndiri ndega? (Makandisiya) Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa (ohh) Seiko makandisiya ndiri ndega? Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa Seiko makandisiya ndiri ndega Mukukura pasina amai ohh? Nyama pasina munyu (dedicated, kunemi mose makarasikirwa) Ohh imi amai, amai Eyo, ndapukuta misodzi, ndinoziva muriko kumusoro makatarisa rino pasi Vakuru vaiziva rufu ndimadzongonyedze, rinokanganisa zvose Amai matisiya mhuri isingafungiri Kunyangwe zvazvo muri kure, ndinoziva muchatichengetedza Muchatichengetedza totosunga dzisimbe kuti tione ramangwana Chiri chiso chenyu, chichagara chiri pamoyo amai Ndinotenda, nerudo rwamaitipa, nyangwe zvazvo Hupenyu hwaioma, kuvapo kwenyu kwaiita hwedu huve nyore Haiwa ndairwara mairara makamira, kuti ndiwane kupona Kana ndaichema, maivapo kunyaradza, maiva sakiso yeraramo amai Danga manga muri pano, muri vatano amai Taizofara tiri pamwe tiri tose amai Ndinoziva tichaonana zvakare Kusvika iro zuva zororai murugare amai Seiko makandisiya ndiri ndega? (Ohh) ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa Seiko makandisiya ndiri ndega? Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa Seiko makandisiya ndiri ndega? (Makandisiya) Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa Seiko makandisiya ndiri ndega? (Yeah) Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa Seiko makandisiya ndiri ndega? Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa (hondeyandeya hazvimborehwa) Seiko makandisiya ndiri ndega? (Hondeyandeya hazvimborehwa) Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa Ndikati, seiko makandisiya ndiri ndega? Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa Seiko makandisiya ndiri ndega? Ndiine ndangariro dzerudo rwamaindipa