Batai Mazwi
Leonard Karikoga Zhakata
11:19Vakuruwe ndipeiwo kamukana kangu Ndinyevere vaye vaye Vakawana mukana wekuvepo pamusoro Vakaite mhanza yekukwirepo pamusoro Kwaakuchitora mukana uyu seuchenjeri Votanga kutsikirira vari pasi Votanga kusvipira mate vari pasi Kuzvirova dundundu nekuzvitutumadza Ndoti kwete apa vachenjeri marasika Kana wakaberekwa semunhu wese iwe Kana wakadonhawo rukuvhute semunhuwo Pamusoro yose vakati tsetetsete nenyika ino Usazvinyepere usazvifadza nenhema Usazvinyepere usazvifadza nenhema Usazvifurire uchizviita makoya zvese Usazvifurire uchizviita shasha yevose Vaye vaye vamunodzvinyirira Vaye vaye vamunotsikirara Kuchema kwavo munamato mukuru kumatenga Ende hakuna anoziva mhinduro nyangwe nemusi waichauya Deno ndaive ini ndigere paye Deno ndaive ini ndiripo paye Ndairidza huwi ndodaidzira vamwe vangu Kuno kwabikwa dopiro vakoma Huyai mose huyai munombore Chawawana idya nehama Kana paine pamakandichengetera Baba Ndinokumbirawo mugove wangu ndichiri kurarama tenzi Tarirai ndosakadzwa sechipfeko nevane mari ndisina changuwo Ndinongotsikirirwa Ndinongodzvinyirirwa Ndinongoshandiswa nhando Ndichingofondotswa Moyo wangu unorwadza kuti nguva dzose ndini wekukarirwa sei tenzi Moyo wangu unorwadza kuti nguva dzose ndini wekunyengerera sei Mambo Deno zvaikwanisika tenzi maigara matare nengirozi dzenyu motifuridzira makomborero isu venhamo Amai vangu vanoda kutendawo Havachaziva nekudeketera mutupo wangu Ndovapeiko amai vangu vagonditendawo Maita moyondizvo Maitaka vadzimba Maitaka veshungu varozvi vakapera nenda Kana paine pamakandichengetera Baba Ndinokumbirawo mugove wangu ndichiri kurarama tenzi Tarirai ndosakadzwa sechipfeko nevane mari ndisina changuwo Ndinongotsikirirwa Ndichingodzvinyirirwa Ndinongoshandiswa nhando Ndichingofondotswa Zino irema varume woye Vanondisekerera sevanondida asi mukati vachidzimbikana kundiona ndichiseva muto Vanofara kundiona ndichitemura Vanofara kundiona ndakapfeka madhumbu Vanoda ndirarame zvekupemha Huntsinye chete vanoda kuguta kwavo Kana paine pamakandichengetera Baba Ndinokumbirawo mugove wangu ndichiri kurarama tenzi Tarirai ndosakadzwa sechipfeko nevane mari ndisina changuwo Ndinongotsikirirwa Ndinongodzvinyirirwa Ndinongoshandiswa nhando Ndichingofondotswa