Hura Mapako
Mark Ngwazi
11:52Musafa makairambira hama veduwe Imbwa ine mazino inoruma vakomana Imbwa ine mazino inoruma vakomana Nerimwe gore muchanyara yaruma atezvara Ndizvo muzoziva inorima vakomana Imbwa ine mazino inoruma vakomana Imbwa ine mazino inoruma vakomana Variko vabereki vanorambira vana pakutadza kwavo zvakaipa veduwe Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatowo Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatowo Nerimwe gore muchanyara vabata pamuviri Ndizvo muzoziva vana vanoshereketa Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatowo Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatowo Nerimwe gore muchanyara vabata pamuviri Ndizvo muzoziva vana vanoshereketa Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatowo Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatowo Rudo rwaamai kuvana vavo Rusavatadzise kutsiura vana vachinge vatadza Rudo rwababa kuvana vavo Rusavatidzise kutsiura vana vachinge vatadza Iwo moyo wekubereka Usavatidzise kutsiura vana vachinge vatadza Iwo moyo wekubereka Usavatidzise kutsiura vana vachinge vatadza Hapana mwana asingatadze Kumahumbwe kwavanoswera munenge musipo Hapana mwana asingatadze Kuchigayo kwavanoenda munenge musipo Hapana mwana asingatadze Kuchikoro kwavanoswera munenge musiko Kana une imbwa yako usairambire Sungai imbwa dzenyu dzinoruma vakomana Sungai imbwa dzenyu, sungai imbwa dzenyu Sungai imbwa dzenyu dzinoruma vakomana Batai imbwa dzenyu, batai imbwa dzenyu Batai imbwa dzenyu dzinoruma vakomana Batai imbwa dzenyu, batai imbwa dzenyu Batai imbwa dzenyu dzinoruma vakomana Stan Muchemwa usairambire, imbwa ine mazino hamawe VaChemhere musairambire, imbwa ine mazino hamawe Professor Gopo usairambire, imbwa ine mazino hamawe Gogo Masasa musairambire, imbwa ine mazino hamawe VaMasarakufa musairambire, imbwa ine mazino hamawe KwaChatikobo musairambire, imbwa ine mazino hamawe VaChikweda musairambire, imbwa ine mazino hamawe