Tambirai Mwana

Tambirai Mwana

Oliver Mtukudzi And The Black Spirits

Альбом: Shanje
Длительность: 3:39
Год: 2018
Скачать MP3

Текст песни

Nai amai ah
Nai amai kani awu awu

Nai amai (tambirai mwana awuya)
Tambirai mwana wangu (tambirai mwana awuya)
Tambirai mwana wangu kani (tambirai mwana awuya)
Iyowe amai kani (tambirai mwana awuya)
Imi amai kani (tambirai mwana awuya)

Ndo kunge aripo mumwe murume
Akafirwa nevabereki karekare oh
Akasara wo mwana nemukadzi vabereki vafa
Ati garei gore mkadzi wuya ndokufa
Achisiya karuswava katokotoko
Oh oh ummh oh hehehe
Hana kugara nguva huru mwana uyo ndo kufa

Ndakaona murume uyo agere
Agere muberere ruhoko ruri parushaya
Misodzi mokoto kokoto kuchema
Akatanga kuyimba karugiyo kake hunzi

Imi varimutenga (tambirai mwana awuya)
Ndimi maka tungamira (tambirai mwana awuya)
Chitambirai mwana awuya (tambirai mwana awuya)
Tambirai mwana awuya (tambirai mwana awuya)

Iyowe amai kani (tambirai mwana awuya)
Imi amai kani (tambirai mwana awuya)
Tambirai mwana wangu (tambirai mwana awuya)
Tambirai mwana wangu (tambirai mwana awuya)

Ndakayedza kumvaraidza zwakaramba
Kunomcherechedza zwakakona
Akaramba achingochema achingochema achingochema
Achingochema achingochema

Iyowe amai kani (tambirai mwana awuya)
Imi amai kani (tambirai mwana awuya)
Tambirai mwana wangu (tambirai mwana awuya)
Tambirai mwana wangu (tambirai mwana awuya)