Gwagugwa Negugwe
Paul Matavire
10:47Munhu akanaka akarara (akanaka arere) Akanaka akarara (akanaka arere, akanaka akarara) Ndati akanaka akarara (akanaka arere, akanaka akarara) Akanaka akarara (akanaka arere, akanaka akarara) Asvinura chave chipembere Kupepuka yave shumba inorura Azvifunga rave rimwe zinhu Akagaya inove nyati inotunga Ini ndapika mudzimai handichada Ndati ndapika zvomudzimai ka handichada Moyo wangu ndafuratidza tsvo ndaramba Ndatsika madziro umm, umm tsvo ndaramba Zviri nani kufa ndiri tsvimborume Zviri nani ndigare nemhuka murenje Pane kugara nemukadzi anokakavara Ane chindingoveni neruziva simba Chivindi chaainacho ndeche chitsere Face yake kuiona inondibhowa Dai yakarukwa neshinda ndairudunura Ndechipi chakamwaruka chaaifuga Ndechipi chinovava chaakambodya Rimwe gumbo riri muhupfu rimwe mushuga Rimwe gumbo riri mushuga rimwe muhupfu Apa gumbo mumba gumbo panze haaregere Yake yezimunzwa mundove haayisiye Munhu anonetsa, mhuka ikatenge nane Munhu anonetsa, nhunzi dzikatenge better Munhu anonetsa, rega ndisiyane naye Munhu wandikona, angandidzorera kuya Munhu akanaka akarara (akanaka arere) Akanaka akarara (akanaka here, akanaka akarara) Munhu akanaka akarara (akanaka arere) Ukaona mukadzi odherera murume Ukaona mudzimai owanza shamwari Ziva kuti anenge ava nechinangwa Iya inonzi ndashaya anganditi tokonyo Ndiwane mafambiro, ndozvaanenge oda Kana nyaya dzadaro newe uchenjere Kuzodzwa mafuta enyama yausina kudya Mwana kufanana nababa nhingi zvonzi inhodzera Murume kuti ubvunze zvonzi wave kuona Kunyarara kwakozve wonzi wakadyiswa Usimudzemusoro zvonzi rinopenga Chakanaka chaungaita unochishaya Munhu anonetsa, mhuka ikatenge nane Munhu anonetsa, mbudzi ndingaswera nadzo Munhu wandikona, rega ndisiyane naye Munhu anonetsa, angandidzorera kuya hai, hai, haa Ah, ah, ah, kana wagutisa pinza chigunwe mukanwa urutse Washaya zvokutaura, ridza muridzo, ndati ridza muridzo Ah ah zve shhh lower volume, zvinomboita seiko nhai huh? Murungu wangu wakabva Natal neshoka, zvamboita sei? Zvakwava kumakubukasva, yave bhisiniya hondo yamazingizi Hawo matindimutibvu nhopi inopisa Zvinombokuwana seiko? Ungaita sadza rekunditendekera negumbo Mukadzi wandakaroora shuwa ndikabvisira pfuma ini, huh? After all, handinei nesadza ini Ndirikutokumbira hangu pondo, one pondo chete Yekutenga safinya Like someone who is suffering from TB Terrible bhabharasi in full, chete chete Ndati enda unorwarira kwawakaroyiwa Dai uri mbeu taikudyarira kumacheto kwemunda kuti udyiwe nembudzi Kana zvichikusvota, ita zvawada ka Chete zvako iwe hazvichativhundutsi Changova chigariro musoro weshuro kushaye nyanga Une gunyengu rinopfupfunyura chin'ai mudzimba dzinobaka moto Huh? Zvauneshavi rorushambwa norushavashava Unoda kudzorwa neakapfeka dehwe reshumba here? Dai uri muchero, taiti uri dhorofiya Kunze rine minzwa, kumenywa hutanga rakwizirwa pasi Mukati mhodzi dzega dzega, hutsenga wakasunge shaya Wotondimisira besu, sechinyamukohwohwo Wakoshiwa kuti you are a married woman, muwanikwa zvake? Iii veduwe, vamwe muchiri kumatsutsu isu vamwe tava kuzvide Freedom of speech nama equal rights hauzvizivi here? Iwe neni hapana difference Same, same tsuro nenungu mumwena umwechete Abaiwa ngaabude Ahh, haha, haya Munhu akanaka akarara (akanaka arere) Akanaka akarara (akanaka arere, akanaka akarara) Munhu akanaka akarara (akanaka arere) Ndati akanaka akarara (akanaka arere, akanaka akarara) Munhu akanaka akarara (akanaka arere) Akanaka akarara (akanaka arere) Inonzi bymastake yandanga ndaita kuti munhu akanaka akarara Munhu is no good forever, zvachose Akarara anorota, akasvunura anogaya horror Akafa rave zin'anga mutai kupfuta moto pose pose, chipoko Saka munhu is no good Iye zvino hoyo, wozviite nungu ine minzwa Ini ndoitwe shuro, kwai ndobaiwa ndobuda Ndosiya musha wandakavaka, ini, he? Ihwo hushamari hwake navana tesvere Vana muti ngauwe tiwane tsotso Mai dzokoko, vana dhibha harina mhuru ndohunomudaro Ichokwadi chavaitaura vanoziva, kuti Ecological species of identical plumage perambulate in close proximity Huu huu, tibvirwe, kutaura chirungu ndiwo mano here? Unotyei kutaura nechivanhu tinyatsonzwa tose? Ahh chivanhu? Koo iwe panositi ndichikudana woti "whello, whello" Seunodavira phone, kutadzawo kuti shewe Ndikati yavuyavuwozve Right ikozvino ndoda kukutibura neimwe English but Iri simburu simburu so Birds if the same feather flock together Haiwayi, hanya naani chidhoma chekwaChivi Kutonzwa zvangu semhepo yaNyamavhuvhu inovhuvhuta Eh eh eh, wanyanyowanzisa manje, ndakuzokumhamyisa, iya Unobuda muno uchimhanya me speed yembwa nhatu Wanzwa? Ayika Munhu anonetsa, rega ndisiyane naye Munhu anonetsa, angandidzorera kuya hai, hai Hai, hai, aaah, kwandakabva hayi, hai, hai, aara Iko kuya hai hai, hai hai aara Kwandayive hai, hai hai aara