Bho Yangu
Winky D
3:28ChiExtra ChiExtra Hai, vatipe Oskid Mangoma aya ndabva nawo Nyikadzimu Anga achitambwa naVadzimu Ndabva ndati ndimaunze pasi rino Abva avachemedza samariro Ndini Gombwe remangoma Gafa rinobata matare engoma Pandinodzvova voti ndogona Ndini ndoita kuti vafare nengoma Ngoma pandinodzitekenya-tekenya Makwati opinda, zvino ndakutetena Pandinodzitekenya-tekenya Makwati opinda, zvino ndakutetena Varikuzama kundikopera Hazvikete ndinopoterwa Hanzi chiGafa zvachinobhowera Ndechekuti pangoma chinoomberwa Ndaratidza unyanzvi pakubata masuwo Handina kutanga nezuro Ndavaoneswa kumakope vati zvinoita Gafa tozvida nesuwo Vamwe vane machira, vamwe vane nguwo Havakwanise kubata dare havana bvumo Ini pandinoribata sechiGafa Yava nguva yebasa hapana hurukuro Ndini Gombwe remangoma Gafa rinobata matare engoma Pandinodzvova voti ndogona Ndini ndoita kuti vafare nengoma Ngoma pandinodzitekenya-tekenya Makwati opinda, zvino ndakutetena Pandinodzitekenya-tekenya Makwati opinda, zvino ndakutetena Pakushava ngoma ndodzibata samare Handisi shavi rakapoya matare Ridza hosho nengoma ndoisa gitare Bikai doro toita vanhu vafare Ndava kuda kusvika saka isai maoko Ndava kuda kusvika saka isai maoko Kuna Musikavanhu takuteura Ipai mwana usavi ngaasatemura Makamubvisa mhepo makamuchenura Ikozvino maDzimbahwe omuyemura Ndini Gombwe remangoma Gafa rinobata matare engoma Pandinodzvova voti ndogona Ndini ndoita kuti vafare nengoma Ngoma pandinodzitekenya-tekenya Makwati opinda, zvino ndakutetena Pandinodzitekenya-tekenya Makwati opinda, zvino ndakutetena (Ndini Gombwe remangoma) Gafa rinobata matare engoma (Pandinodzvova voti ndogona) Ndini ndoita kuti vafare nengoma Ngoma pandinodzitekenya-tekenya (Zvino ndakutetena) Pandinodzitekenya-tekenya (Zvino ndakutetena) (Ndini Gombwe remangoma)