Life Yangu
Winky D
4:37Ah di master (ah di master, ah di master) Zvinonzi Mwari haakupe muruoko (muruoko) Ichokwadi ichocho Inini zvangu zvakatanga sezviroto (sezviroto) Muhope ndichingoona kachimoko Kusaziva ndaioneswa zviri mberi (mberi) Kuchauya mhandara inenge Mary (Mary) Asi nhasi, Ishe Tenzi vazozadzikisa Pavasanganisa inini newe Muhutano kana mukurwara Ini ndichange ndinewe Mukuchema kana mukufara Ini ndichange ndinewe Zinondirwadza kukushaya Mupfungwa ndinongogaya Kuchipisa, kuchinaya Tichange tichingovhaya Nemota kana netsoka Ndikayenda ndinodzoka Zvinofadza haundidire mari Zvingazonetsa ndikabroker Nguva dzese ndichange ndiri pauri Waita kuti ini ndide kutanga mhuri Ndichagara parutivi semumvuri Baby, rudo rwechokwadi ndozvarwuri Chindiisa pachipfuva Wajekesa hupenyu hwangu uri zuva Hupenyu ndiinewe, mubhedha wamaruva Handikusiye nyangwe upinde muguva Muhutano kana mukurwara Ini ndichange ndinewe Mukuchema kana mukufara Ini ndichange ndinewe Zinondirwadza kukushaya Mupfungwa ndinongogaya Kuchipisa, kuchinaya Tichange tichingovhaya Nemota kana netsoka Ndikayenda ndinodzoka Zvinofadza haundidire mari Zvingazonetsa ndikabroker Saka ini ndazvipira Kuva newe ndapikira Rwaibva rudo, rwashinyira Stayera dzako ini dzandiitira Chipukuta misodzi iri pamatama (pamatama) Titotanga kuvaka hukama (hukama) Uri 'Baby' ndiri 'Daddy' tichimhanya Vakada kupikisa vane godo, shaya hanya Vimba neni, ndovimba newe Tamba neni, ini ndotamba newe Haiwa unondipisa manyemwe Saka baby, rega ndikurume nzeve Muhutano kana mukurwara Ini ndichange ndinewe Mukuchema kana mukufara Ini ndichange ndinewe Zinondirwadza kukushaya Mupfungwa ndinongogaya Kuchipisa, kuchinaya Tichange tichingovhaya Nemota kana netsoka Ndikayenda ndinodzoka Zvinofadza haundidire mari Zvingazonetsa ndikabroker