Wenge
Jah Prayzah
4:50Jongwe zvorokukuridza mdiwa muka Ndoringe nzira ndoyambukira mhiri kwehova-a Tarira ndokunoenda vamwe, ndokunoenda vamwe Hongu kure kwegava usiko mutsubvu Asi usarega kunyengetera ndidzoke kumba Ndounganidza pfuma hona nhamo ingazotikunda-a-a Tarira ndokunoenda vamwe, ndokunoenda vamwe Hongu kure kwegava usiko mutsubvu Misodzi bedzi ndiriko kune rimwe divi rerunhare Ndosurukirwa ndoga Choga chandinoda kuti ufare Chinondituma urombo mudiwa Rega ndinoteya rangu riva Ndonoratidza kuti mazuva rovira usachema Zviri mumeso (mukati mezuva) Ndinomhanya nedondo, mugovera nesvondo Handina zororo kushanda bedzi sechiringazuva Asi nguva ichadudzira, nguva ichadudzira Padzichapera shungu uchandiona ndinouya Ndinomhanya nedondo, mugovera nesvondo Handina zororo kushanda bedzi sechiringazuva Asi nguva ichadudzira, nguva ichadudzira Padzichapera shungu uchandiona ndinouya Mukuru wedenga ndiringe ndiringe musango zvandiri ndega. Zvichibvira ndive zamburinga munyemba parino ndoga Aaaaah heee ndipapa, pane moyo ndipapa Tenzi